Isaiah 3

Kutongwa kweJerusarema neJudha

1Tarirai zvino, Ishe Jehovha
Wamasimba Ose
ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo,
kubva kuJerusarema neJudha;
rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
2mhare nomurwi,
mutongi nomuprofita,
muvuki nomukuru,
3mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa,
gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.
4Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo;
vana vadiki ndivo vachavatonga.
5Vanhu vachadzvinyirirana,
munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani.
Vadiki vachamukira vakuru,
nounozvidza achamukira anokudzwa.

6Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake
paimba yababa vake achiti,
“Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu;
iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
7Asi pazuva iro achadanidzira achiti,
“Handigoni kugadzirisa zvinhu.
Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu;
musandiita mutungamiri wavanhu.”

8Jerusarema rozungunuka,
Judha riri kuwa;
mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha,
vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
9Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira;
vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu;
havambochivanzi.
Vane nhamo!
Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.

10Udzai vakarurama kuti zvichavanakira,
nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.
11Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira!
Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.

12Vadiki vanomanikidza vanhu vangu,
vakadzi vanovatonga.
Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai;
vanokubvisai munzira.

13Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga;
anosimuka kuti atonge vanhu.
14Jehovha anopinda mukutonga vakuru
navatungamiri vavanhu vake achiti,
“Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa;
zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
15Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu,
uye muchikuya zviso zvavarombo?”
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

16Jehovha anoti,
“Vakadzi veZioni vanozvikudza,
vanofamba vakamisa mitsipa yavo.
Vachichonya nameso avo,
uye vanofamba vachinzenzeta,
vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
17Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni;
Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
18Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima, 19nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri 20nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango, 21nemhete, noukomba hwemhino, 22nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama, 23nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

24Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa;
pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo;
pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka,
pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga;
pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.
25Varume venyu vachafa nomunondo,
varwi venyu vachafa muhondo.
26Masuo eZioni achachema uye achaungudza;
nokutambura kwaro, richagara pasi.
Copyright information for SnaBDSC