Genesis 1

Kusikwa kwezvose

1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. 2Nyika yakanga isina ku­gadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. 3Mwari akati: Chie­dza ngachivepo, chiedza chikavapo. 4Mwari akaona chiedza, kuti chaka­naka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. 5Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, nama­ngwanani akavapo, zuva rimwe.

6Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura nemvura. 7Mwari akaita nzvimbo, akapa­radzanisa mvura yakanga iri pasi penzvi­mbo, nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo. 8Mwari akatumidza nzvimbo, akati Denga. Ma­deko akavapo, namangwanani akavapo, zuva repiri.

9Mwari akati: Mvura iri pasi pede­nga ngaiungane pamwechete, kuti pasi pakaoma paonekwe; zvikaita saizvozvo. 10Mwari akatumidza pasi pakaoma, akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumi­dza, akati Makungwa; Mwari akaona kuti zvakanaka. 11Mwari akati: Nyika ngai­merese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo. 12Nyika ika­meresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzina marudzi adzo, nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo; Mwari akaona kuti zva­kanaka. 13Madeko akavapo namangwa­nani akavapo zuva retatu.

14Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; 15nga­zvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvo­zvo. 16Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. 17Mwari aka­zviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti

zvivhenekere panyika,
18zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chie­dza nerima; Mwari akaona kuti zvaka­naka. 19Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

20Mwari akati: Mvura ngaizare ne­zvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhuru­ruke pamusoro penyika munzvimbo ye­denga. 21Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinoka­mbaira, izvo mvura yakanga izere na­zvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. 22Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwa­nde, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. 23Ma­deko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu.

24Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvi­pfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dze­nyika, zvina marudzi azvo; zvikaita sai­zvozvo. 25Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinoka­mbaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

26Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegu­ngwa, napamusoro peshiri dzedenga, na­pamusoro pezvipfuwo, napamusoro pe­nyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 27Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. 28Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamu­soro peshiri dzedenga, napamusoro pe­zvipenyu zvose zvinokambaira panyika. 29Mwari akati: Tarirai, ndakakupai mi­riwo yose inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. 30Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvino­kambaira panyika, zvinemweya woupe­nyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo. 31Mwari akaona zvose zvaa­kaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.

Copyright information for Shona