‏ Song of Solomon 6

Shamwari 1Ko, mudiwa wako aendepiko,
iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?
Mudiwa wako aenda nokupiko,
kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?
Mukadzi 2Mudiwa wangu adzika kubindu rake,
kumihomba yezvinonhuwirira,
kuti andomema mumapindu
uye agotanha maruva.
3Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu;
anomema pakati pamaruva.
Murume 4Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza,
unoyevedza seJerusarema,
unoremekedzeka samauto ane mireza.
5Bvisa meso ako pandiri;
anondikunda.
Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi
riri kuburuka muGireadhi.
6Meno ako akafanana neboka ramakwai
achangobva mukushambidzwa.
Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro,
pasina riri roga zvaro.
7Zvavovo zvako zviri mumumbure wako
zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
8Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu,
navarongo makumi masere
nemhandara dzisingaverengeki;
9Asi njiva yangu, iye akakwana wangu,
ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake,
iye woga anodikanwa naiye akamubereka.
Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa.
Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.
Shamwari 10Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza,
akanaka somwedzi, anopenya sezuva,
akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?
Murume 11Ndakadzika kusango remiti yemipfura
kundoona zvitsva zvakamera mumupata,
kundoona kana mizambiringa yainge yabukira,
kana kuti mitamba yainge yava namaruva.
12Ndisati ndambodii,
mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.
Shamwari 13Dzoka, dzoka iwe muShurami;
dzoka, dzoka kuti timbokuona!
Mudiwa Ko, munodirei kuona muShurami
sezvamunoita mutambo weMahanaimi?
Copyright information for SnaBDSC